Page Nav

HIDE

Grid

GRID_STYLE

Pages

Breaking News

latest

I love her but she has another boyfriend!

I love her but she has another boyfriend! Ndaiti ndazviwanirawo musikana Auntie Sue, nyangwe zvazvo akandiudza kuti ane mukomana kare. N...

I love her but she has another boyfriend!
Ndaiti ndazviwanirawo musikana Auntie Sue, nyangwe zvazvo akandiudza kuti ane mukomana kare. Ndakafunga kuti masasi emusikana arikupfimbwa. Musikana ndomuda uyu zvekuti tinototaura zvekuzoroorana. Problem yaapo manje haasi kuda kurambana nemukomana uya. Ndanzwa nekudhumaniswa weduwee. Anoti haangangorambe munhu asina chaatadza, heee ko ukazondirasisa? Ndiri kuona sekuti ari kundishandisa. Angazotoite mukadzi kwaye ndamuroora here musikana uyu? Hongu ndakamuda ndichiziva, asi shanje dzakundibaya. Ndoitawo kuroora kwemakwikwi nekutya kutorerwa? – Benji, Murehwa

I love her but she has another boyfriend!
Response
Nguva dzose kuramba kugashira chokwadi kunounza kudemba mune remangwana. This girl told you that there was someone in her life and you refused to take note of that, so what do you expect? Washayei, Benji, kutopinzwa paqueue yekuti kana aramba uyu ndozokwanawo? Nyika izere nevasikana vakanaka.

Iwe uri kundiudza kuti unotofunga zvekuroora a girl who is double crossing you now, masikati machena shiri dzichivaka iwe uchiziva? Zvino ukamuroora iye achikuudza kuti haagone kuramba mumwe mukomana uyu nekuti haana chaakatadza, zvinoreva kuti vanongoenderera mberi even after you marry her. Chokwadi wandinzwisa tsitsi kuita musikana wemubatanidzwa mukore uno.

Wakambonzwawo here about HIV and Aids. Usashandise izwi rekuti shanje pasipo, unoita shanje yei iwe wakaudzwa? Musikana uyu haasi munhu kwaye nekuti munyengedzi. Ini handidi kuti Benji wakapusa, chirega nditi pachirungu vanoti wake up and smell the coffee. Kurudziro yangu ndeyekuti tsvaga wako musikana, uyu siyana naye.
Disclaimer: The information contained in this website is for general information purposes only.

The information is provided by PaHarare Exptreme using online sources and while we endeavour to keep the information up to date and correct, we make no representations or warranties of any kind, express or implied, about the completeness, accuracy, reliability, suitability or availability with respect to the website or the information, products, services, or related graphics contained on the website for any purpose.

Any reliance you place on such information is therefore strictly at your own risk.


Classic Header